Airtime 729x90

Ngirozi pfacha pa Parirenyatwa

naConrad Mwanawashe

ZVIPATARA zveHurumende zvinorapa veruzhinji zvinowanzotsoropodzwa nekuvengwa  nguva dzakawanda nevamwe vagari vemunyika.

Kuita kwakadai kunowanzokukonzerwa kakawanda zvichida nekusaziviswa zvizere kana kukachikira manyepo anotaurwa pamusoro pemafambisire azvinoita basa razvo anowanikwa pasoshomedhiya dzimwe nguva nemakuhwa anoparidzwa naevanhu vane miromo isingamharwi nenhunzi.

Zvisinei hazvo, hurumende yakaisa mari yakawanda kumutsiridza midziyo yemuzvipatara pamwe nekusimudzira vashandi vezveutano.

Bazi reUtano neKurerwa Kwakanaka kweVana range richiita zvidzidzo zvekuchechudza vashandi varo kubudikidza nekuvaitisa mawokishopu.

National Coordinator STI Prevention and Condom Distribution muBazi reUtano neKurerwa Kwakanaka kweVana, Anna Machiya annozivisa kuti bazi reutano riri kukurudzirawo zvakare vanhu kuti vaunze zvichemo zvemabatirwe avanoitwa panzvimbo dzokurapirwa, vachishandisa gwara rakatarwa rekuenda nekunzvimbo dzeutano dzemunharaunda dzavo nekuzivisa mapoka ezveutano, izvi zvinobva zvaita kuti basa rifambe nyore.

Kashoma zvikuru kuti vashandi veutano vataurirwe mashoko anokurudzira basa ravo. Kwete nekuti havanawo chakanaka chavanoita kuvarapwa vavo, asi nekuda kwekuti nguva zhinji vanorapwa kuzvipatara vanongofuratira vonyangadika vasingadzoki nerokuti zvavo zvaita.

Zvakadaro hazvo, kune mumwe wevarapwa ane makore 38, Phideline Rusere,
uyo akafara nekubatwa kwaakaitwa kuchipatara, akaona zvakakodzera kudzima tsika yekusadzoka iyi.

Rusere akadzoka kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekupona mudambudziko raakasangana naro aine nhumbu achipakurira vanambuya nyaya itsva.

Rusere, uyo akagara muchipatara cheParirenyatwa achisimbirirwa neurwere hweEclampsia, hunova hwezviifaifa zvinowanzobata madzimai munguva iyo vanenge vakazvitakura kana munguva pfupi vachangobva kupona.

Eclampsia inogona kufambidzana nekukwira kweBP kana preeclampsia inove kuve nemapuroteini akawandisa muweti yomudzimai akazvitakura.

Zviratidzo zvenjodzi huru yeeclampsia zvinosanganisira kurwadziwa kwakanyanya nechekumusoro kwedumbu kudivi rekurudyi, kurwadziwa nemusoro zvakanyanya, uye kudzikira kwemaonero anoita maziso pamwe nekukanganisika pfungwa kweakazvitakura.

Kudzivirira zviifaifa izvi nekuderedza kukwira kweBP kunogona kurapwa nekushandisa mishonga yekuchipatara. Mwana anogona kunzi akurumidze kuponwa nguva yake isati yaringana.

Munyaya yaRusere, akapona neoparesheni muna Ndira pachipatara cheParirenyatwa, chinova chipatara chikuru chinotambira varapwa zvakanyanya munyika yose yeZimbabwe.

Rusere anoti akasvika pachipatara achirwara zvakanyanyisa, apo aitsvaka rubatsiro akazvitakura nenhumbu yaive pamasvondo makumi matatu nematatu (33) uye muviri wake waive wakazara mvura achirema 110kgs.

“Vana chiremba vakasarudza kuti ndiitwe oparesheni vachiti vandibatsire ini kuti kuti ndirarame nekuti vakanga vaona kuti mwana zvanga zvisina kumira mushe,” akadaro Rusere.

“Zvakadero, ndakaitwa oparesheni musiwa 21 Ndira, 2024, mwana akabuda ari mupenyu achirema 1,550kg. Ini ndikarwara kwemazuva anosvika mapfumbamwe ndisingazive kuti mwana ari kupi ndichionekwa nanachiremba. Ndokubva Sisita Muzuva vazotuma vamwe vavo kuti vanditsvage nokuti ndakanga ndisiri kuita zvakanaka ndakakanga ndisingakwanisi kunoyamwisa mwana. Mbuya vakanditsvaga vakanditi iwe uri uno unoti mwana wako anoyamwiswa nani? Ndikashingirira ndikaenda ndikanoona mwana kunesari. Mwana wangu airema 1,550kg pakuzvarwa akange adzikira kusvika 1,2kg. Zvanga zvakaoma,” Rusere akadaro.

“Ndinoda kutenda Mwari navanambuya vavakatuma vaindibatsira kuyamwisa mwana.
Vanhu ava ingorozi chaidzo,” akawedzera kudaro.

Zvakadaro hazvo, mushure memazuva mashoma, Rusere akabva atiza vanambuya kubva kunesari achienda kunogara kudzimba dzinogara vana amai vanenge vaine vana vanenge vari kunesari. Kunyange zvakadaro, Sista Muzuva nechikwata chavo havana kuodzwa moyo nazvo uye havana kubva vati voramwa murapwa wavo. Vakamutsvaga zvakare.

“Vakanditsvaga futi vakati ndinofanirwa kuenda kuKangaroo, ndikati handikwanise kuenda kuKangaroo nokuti ndine kweoparesheni. Vakanditi mwana wako anofanira kuchinja, tarisa uone anoti uremu hwake hwukakwira hwobva hwadzika, saka unofanirwa kunge uri pane mwana kuti anzwe kudziya kwako,” akataura achidaro Rusere.

Sisita Muzuva vakati Wadhi yeImmediate Kangaroo Mother Care (IKMC) inopa pokugara kumwana zvose namai vake. Pasi peurongwa uhwu, mwana anenge azvarwa nguva yake isina kusvika anogara akaradzikwa pachipfuva chaamai vake kubvira munguva shoma achangozvarwa pachinhambo chekuiswa muingiyubheta yerushiye.

Vana mazvikokota vanoti izvi zvinobatsira kurapwa kwemwana kunosanganisira kupiwa zvinwiwa zvinopinda nemutsinga, kufefeterwa nemhepo, nekuwaniswa mishonga inorwisa mabhakitiriya (intravenous fluids, ventilation and antibiotics).

“Vakabva vandishingisa ndikaenda kunonzi Kangaroo. KuKangaroo ndakanosangana nanagogo vakange vane rudo. Handidi kunyepa, vanhu ava vanga vakatumwa naMwari. Mwana wangu akatanga kusimba zvakare kusvika 1,660kg dzakwana ndabuda. Ini nemwana wangu tese tiri vapenyu handicharware. Hongu ndakamborwara asi Mwari wakandinzwa nana mbuya vavakatuma. Ndinotenda ingirozi dza Mwari,” Rusere akadaro.

“Saka ndoda kungoti Mwari, ndakaona zvakakodzera kuti ndivatende nekuti pandairwara handaiziva kuti mukaka wemwana wangu uri kubva kupi, zvaari kufuga zvabva kupi.,” akawedzera achidaro Rusere.

Sisita Muzuva vakatiwo ivo kuwadhi yeKangaroo iyi vanotambira vana vanenge vabarwa vaine uremu huri pasi pasi hunobvira kunyange pa500g kusvika kune vana vanenge vazvarwa vari vahombe-hombe zvekusvika kana kuma5kg chaiko.

Vakawedzerawo vachiti vana vanobarwa nguva yavo isati yasvika ndivo vanonyanya kuda kubatwa zvakanaka kudarika vamwe vose uye vana mukoti vanotsigiswa nenheyo yesimbaradzo inoti ’bata wakangwarira’ apo vanenge vachipepa vana vemhando iyi.

“Vana vanenge vazvarwa nguva yavo isina kukwana, vanonetsa nekuti mapapu avo anenge asati agadzirira kufema zvakanaka, vanenga vachitambudzika kufema. Pamusoro pekutadza kufema, vanenge vasinganyatsoyamwa zvakanaka.,” vakadaro Sisita Muzuva.

Vachiti ivo izvi zvinoreva izvo kuti vana mukoti vanofanira kunge vakavatarira nguva dzose vachiona kuti mwana ayamwa here, mwana haana kubvisa twunhu twekufema natwo here. Nokud aro vanozosvika pokuti vanoda mukaka waamai, vonotsvaga vana amai vacho. Vachitizve vana mukoti vanototenderera kunotsvaga kuti mai vari kupi. Vakatutsira vachiti vanenga vari kuboka raanamai vakazvara vana nguva yavo isina kusvika vanhu vanenge vachitorwara zvokuti vanenge vachitovafidhira vana vavo nguva dzose.

“Kana tikashaya munhu anotiudza kuti vari papi, tinosvika pakunovatsvaga tega.
SaPhideline zvakanga zvakaoma. Tinotarisira kuti mwana anofanira kurasikirwa nezvikamu gumi kubva muzana zveuremu hwake, asi uyu akarasikirwa nezvikamu zvinodarika gumi kubva muzana zveuremu hwake,”
Sisita Muzava vakadaro.

Vakapamhidzira vachiti izvi ndizvo zvakavaita kuti vatsvage Rusere. Vachiti vakatuma vanamukoti kuti vamutsvake mumawadhi ose nokuti vaiziva kuti ainge ari panguva yakaoma asi zvakadaro aifanira kuyamwisa.

“Hatifari zvachose kana kuyaruka kwemwana kukava kunodzikira. Tine mashoko ekusimbisana ekuti, ‘Tinoita patinogona napo, zvimwe zvese zvichiitwa naMwari’,” Sisita Muzuva vakadaro.

Vakati Rusere nemwanakomana wake vakabatsirikana kubva kukuzvipira kwehurumende kunowanisa zvipatara zvehurumende zvese zvinodiwa nevana vacheche pasina muripo zvichiwanikwa nyore kusanganisira mukaka waipiwa Tino.

Apo Resere nemwana wake vakabuda muchipatara anoti akatsidza kuti nerimwe zuva aizodzoka nezvishoma zvaachaunganidza pachake kuzova chapupu chokubatwa kwakanaka kwaakawana pachipatara ichi.

“Saka ini ndakatsidza kuti nditende Mwari nezvishoma zvandawana. Ndati regai nditendewo Mwari nezvishoma-shoma izvozvo zvandawana kuti mbiri yavo yakaonekwa pamusoro peupenyu hwangu nemwana wangu,” akadaro Rusere.

Rusere akapa chipo ku’Shamwari dzaTino kunesari’ chemachira anosanganisira ekuputira vana pamwe neekuputira mibhedha inorarira vana.

Achitaura apo aigashidza chipo ichi akati, “Ndinoda kutenda chipatara cheParirenyatwa nevakatumwa naMwari paupenyu hwangu nehwemwana wangu nevamwe vose vatanga tinavo.
Ndafara chaizvo kuti nhasi ndauya kuzopupura kunaka kwaMwari nebasa rakabatwa nana Mbuya Utano.”

Apo vaitenda zvipo zvavakavigirwa, Sisita Muzuva vakati vabatwa moyo zvikuru nekuita kwaRusere uku, vakakurudzirawo vamwewo varapwa vanoshandisa zvipatara kuti vatevedzerewo basa rakanaka rakaitwa naRusere.

“Nhasi ndafara zvikuru kuti vanenge vabatsirwawo pachipatara chedu vodzokawo vozobatsira nezvishoma zvavanenge vanazvo. Zvavaita izvi rudo rwavaratidza rwakanaka uye ndinokumbirisawo kumhuri yeZimbabwe kuti zvakadai tinozvikurudzira chose zvakare tinogamuchira nemaoko maviri. Tinofara zvikuru kunzwa kuti mwana akura zvekusvikawo kuma 6kg, tichitarisa paakabva pairema zvikuru. Chatove chimunhu chinosekerererawo kana uchitaura nacho. Saka sana Mbuya pachipatara tinonzwa kufara zvikuru nekuti basa ranamukoti ndere kubatsira vana, tiri vana mbuya vavazukuru. Tinoda vazukuru vakawanda,” vakadaro Sisita Muzuva.

Previous Post

‘Thank you, WFP, Govt for improving our livelihoods’

Next Post

Case for formal institutions responsible for aggregating and distributing food

Related Posts