Airtime 729x90

Ndinoda mhuru sevana vangu

Rungwanangwana, pane rimwe purazi mudunhu reGweru, inzwi romudzimai rinonzwikwa richiseka nekutaura. Rinopindurwa nekukuma zvedambe kwetumhuru.

Pakati pekutaura nekuseka uku, pane ruzha rwunonzwika rwunoita sekuti pane zviri kukwevewa mumasora.

‘Kuti imbavha here dzapinda mupurazi reHeadwaters apo panochengetwa mombe dzemukaka?’ isu veMaricho takabvunzana.

Takati nyahwa nyahwa, takananga kunochengeterwa mhuru, ndiye dongorere, tikabva tati dhuma dhuma naSarudzai Jahure achikwatsura chikwee. Taisaona waaitaura naye.

‘Ari kuseka naniko? Ndiye here ane nzwi ratanzwa tiri kure?’ takabvunza zvakare tichifamba tichienda kwaari. Mhinduro dzekushamisika kwedu takazodziwana patakasvika pedyo naye.

Ndipo patakaona kuti Chihera vaitozuwa zvavo nemhuru vari munyika yavo vega!

“Ndinofarira kuchengeta mhuru kubva dzichiri diki. Kana ndichitamba nemhuru kana kudzichengeta ndinenge ndichitoona sendiri kuchengeta mwana wangu,” anodaro Sarudzai achinyemwerera ruoko rwerudyi rwuchitekenyedza imwe mhuru yaaive pedyo nayo. Iyowo mhuru yacho kuzoitawo manyemwe, kunzvirira chanza chavatenzi.

Izvi zvakanyatsotitaridza rudo nekunzwanana kuri pakati paSarudzai nemhuru dzake dzaisanganisira matsiru gumi nemikono gumi neminomwe.

“Ini ndine vana vaviri, musikana nemukomana. Musikana akaroorwa asi nanhasi ndingomutora sendumure yangu. Rudo rwangu harushanduke zvisinei nezera ravo,” anoenderera achidaro Sarudzai achinan’anidza mhuru iri pedyo naye.

Sarudzai anoti ave nemakore maviri achirera mhuru paHeadwaters Farm uye anoti zvakamuitira nyore chose nekuti anongotora mhuru semwana wake.

“Mangwanani ega ega ndinochinja zvirugu zvinogara mhuru kuitira kuti tidziise pakachena pasina ndove. Izvi tinozviitira kuti tisachengetere mhuru pane ndove. Mhuru dzinogona kuzonanzva ndove inenge yaiswa utachiona nenhunzi dzikazobata zvirwere.

“Saka pandinochinja zvirugu izvi ndinenge ndichitaura nadzo nekutamba nadzo, ndichidzipuruzvira. Izvi zvinondibatsira kuti ndione kana pane mhuru iri kurwara. Kubata mhuru kunondibatsira kuti ndinzwe kana pane mhuru iri kudziya muviri.

Uyezve paya pandinodzipa chikafu kana mukaka ndinotoona kuti madyiro kana manwiro acho haasiwo. Kana kuri kuti ndaona kuti pane mhuru isiri kunatsonzwa zvakanaka, tinoipa mushonga nekukasira toibaya kwemazuva matatu,” sarudzai anotsanagura.

Anoti iye kana mhou yasununguka, vanotora mhuru yacho vobva vakama ruomba unova iwo mukaka wekutanga une weruvara rweyero. Sezvo mhuru inenge isiri kugona kuyamwa yega, haikwanise kuwana masoja anodzivira muviri kubva kuzvirwere kubva kuna mai vayo.

Ndiko saka vachiipa ruomba runokwana marita anobvira pamaviri kusvika kumana munguva inobvira paawa kusvika kumaawa matanhatu mhuru ichangazvarwa. Ipapo mhuru inenge ichipiwa rita rimwe rimwe kusvika yapedza marira ose mana.

“Kana tadero tinotarisa kuti mhuru yedu ine hutano hwakakwana here kana kuti kwete. Tikaona ichikwanisa kuyamwa yoga tinoipa kuna mai vayo kwemazuva matatu kusvika mukaka wamai vayo wachena, toibvisa, toiisa kuchirugu chayo yega.

“Tikaonawo isina hutano hwakanaka zvekuti haitogone kuyamwa yoga pana mai vayo, tinoitora toiisa muchirugu chayo chakwachengeteka. Ipapo tinenge tava kuimwisa mukaka unosvika rita rimwe nechidimbu mumanganani nemumanheru,” Sarudzai anorondedzera kudaro.

PaHeadwaters Farm pane mombe dzinodarika zana uye pachikamwa mhou dzinodarika makumi mashanu. Purazi iri rinobatsirwa zvikuru nezvidzidzo nezvirongwa zvinopiwa nesangano revarimi vemombe dzemukaka reZimbabwe Association of Dairy Farmers (ZADF).

Zvimwe zvirongwa zveZADF zvine chinangwa chekuvandudza nekusimudzira varimi kupfurikidza nekuvapa mombe dzemukaka uye kuvadzidzisa kugadzira chikafu chemombe zvinoita kuti kuchengeta mombe dzemukaka kurege kudhura.

Chikafu ndicho chinotora mari yakawanda zvikuru pamurimi saka dzonzvo reZADF nderekudzikisa mutengo wacho kuti varimi vawane pundutso pakurima kwavo.

Kupfurikidza nekushanda nemadhumeni, ZADF inobatsira varimi zvakare nezvidzidzo zvakadai sekurera mhuru zvinova zvakayamurawo Sarudzai nevamwe vakaita saiye. Sarudzai anoti ave noruzivo rwemachengetero emhuru uye ave kuziva mishonga inofanirwa kupiwa mhuru panguva yakafanira.

“Tinopima mhuru dzedu dzese padzinozvarwa tounganidza umbowo hwadzo hwekuzvarwa. Mhuru padzinenge dziri muzvirugu zvadzo, tinodzipawo mukaka nemvura kwemazuva manonwe. Mukaka tinoita yekuyamwisa, asi mvura tinongoisa pedyo nadzo kuti dzipote dzichinwa dzoga padzinenge dzava nyota.

“Mushure memazuva manomwe aye tinozodzidzidzisa kudya chikafu chinonzi calf grower zvishoma nezvishoma kudzimara dzava kukwanisa kudya chikafu. Mhuru imwe inofanirwa kudya chikafu chinorema 2,5 – 3kgs pazuva,” anodaro Sarudzai.

Anotizve mhuru dzinopiwa calf grower kwemwedzi mishanu kubva dzichizvarwa uyemhuru dzinogara muzvirugu kusvika dzave nemwedzi mitatu (masvondo gumi nemaviri).

“Mushure memasvondo mana tinodzipa mishonga inouraya makonye (tapeworms) anowanikwa pakuteta kwadzinenge dzichiita nemakumbo adzo. Makonye aya anokonzera manyoka kumhuru (white scours).

Mushure memasvondo masere tinodzibaya futi mushonga wakafanana newekutanga unorwisa makonye emhando yemaround worm nemahookworm.

Sarudzai anotipawo ruzivo rwemakonye emhando yematapeworms anorarama ari muura hudiki hwemhuru uye abovhunura zvipande zvawo zvinotakura mazai awo mundove.

Ayawo makonye emhando yemaround worm anogara aripo kwegore rese uye anogara munzvimbo dzakawanda mumhuka, dzinosanganisira mumaziso, mapapu, mumuviri, pasi peganda, uye anonyanya kuwanika muhuro.

Ukuwo makonye emhando yemahookworm aya eruvara ruchena anogona kukonzera zvirwere zveanemia neblack tarry feces muzvimhuru.

Anoenderera achiti iye, “Jekiseni rekupedzisira tinodzibaya mushure memasvondo gumi nemaviri kuti tidzidzivirire kubva kumakonye anowanikwa mumvura kana mhuru dzabuda muzvirugu apo tinenge tave kudzichengetera kumafuro,” Sarudzai anodaro.

“Mhuru haidi kusanganisirwa mukaka wayo. Ndipo panozobva manyoka kana chitumbuzenene (kwashi). Ingopawo mhuru mukaka wayo sezvaunongoitawo mwana wako.” Sarudzai akatiudza kudaro.

Munguva yose yaaitaura nesu veMaricho, Sarudzai aitionesa mhuru dzake makumi maviri nenomwe dzinosanganisira matsiru gumi uye mikono gumi neminomwe, achitiratidza kuti zvinochengetwa nenzira dzipi kuti dzikure zvakanaka dzine utano.

Leave a Reply
Previous Post

Download Maricho Magazine September Edition

Next Post

Towards rural transformation

Related Posts