FAO yosimudzira varimi ku Chipinge
MUNGUVA pfupi yapfuura, munyori wedu, Conrad Mwanawashe, akashanyira Gudyanga Irrigation Scheme iri kudunhu re Chipinge ku Manicaland Province.
Gudyanga irrigation scheme ndiyo imwe yenzvimbo dzakaparadzwa nemafashamu emvura (Cyclone IDAI). Mafashamu aya akakukudza zvirimwa nekuparadza midziyo yese. Munda uyu une varimi makumi matanhatu nevatatu (63) wakakura mahekita anosvika makumi mana nemasere (48 hectares).
Mafashamu eCyclone IDAI akaparadzazve magoronga akavakirirwa kuyeredza mvura yekudiridzira pamwe chete zvibhorani izvo zvakatambudza nekushungurudza varimi zvikuru nekuti raramo yavo yaibva mumunda uyu.
Varimi vakasanganazve nedambudziko remakoronyera ayo aitora zvirimwa zvavo zvaive zvasara nemutengo wepasi pasi pamwe pacho ochitotizazve nemari.
Asi nhasi varimi veGudyanga irrigation scheme vari kupururudza zvikuru mushure mekuwana rubatsiro kubva kusangano re Food and Agriculture Organisation of the United Nations (FAO) rakabatana ne UNOPS nehurumende avo vakaisa musoro pamwe chete kuti vabatsire varimi ava.
FAO nebazi re hurumende remadhumeni vakadzidzisa varimi zvekurima, mabatirwo nemagadzirirwo evhu, mabatirwo emvura nezvirimwa. Vakapiwazve ruzivo rwekutsvaga musika wezvirimwa nekubatanidzwa nevanotenga zvirimwa zvavo.
Varimi vepa Gudyanga vakadzidziswazve kurongeka kuti vashande sebhizimusi kwete chigumha gumha. Izvi zvakakonzera kuti vaumbe mapazi ekushanda Mabasa akasiyana siyana sebazi rezve kutengesa nekutsvaga musika, bazi zvekuchengetedza midziyo nemamwe. Izvo zvakadzidziswa nechinangwa chekuti Gudyanga ive nemukana wekuenderera pamberi.
Murimisi anobva kubazi revarimisi re ARDAS muhurumende, Sydney Pambuka anoti zvirimwa zvinorimwa pa Gudyanga zvinosanganisira shuga bhinzi, madomasi, hanyanisi neavimwe zvakadero.
Pambuka anotipira Nyaya ye Gudyanga zvizere.
Zvirimwa
Asi muchirimo varimi vanonyanyorima mhiripiri (chilli), chinova chirimwa chinonyanyounza mari muchirimo. Panorimwazve chibage vachishandidzana ne Agricultural and Rural Development Authority (ARDA). Mumwaka wechando varimi vanorimazve gorosi vachishandizana ne ARDA zvakare.
Goho
Varimi vechibage vanowanzobata matani ari pakati pe mana kana mashanu pa bindu rega rega (4-5tons per hectare) zvichienderanawo nemamiriro ekunze.
Pa gorosi varimi vanowanzokohwa zvakafanana neizvezvowo, kozoti pa shuga bhinzi vanokohwawo matani matatu kana mana, kumadomasi vanokohwa matani anosvika makumi matatu nemashanu zvichienda mberi pa dindu rega rega.
Kumhiripiri, kana murimi akarima nemazvo achitevedzera zviga zvinofanirwa kutevedzerwa nevarimi zvinodaidzwa kunzi Good Agronomic Practices pa bindu rinokwana 0.2 hectares, anenge ane zvirimwa zvinosvika zviuru zviviri, kureva kuti dzinde rega rega rinomupa kilogiramu rimwe chete, zvoreva izvo kuti murimi anowana matani maviri pa hekita yoga yoga.
Mhiripiri inotengeswa nemari inosvika masenzi makumi matanhatu (US$0.60) Patani roga roga zvoreva kuti anowana mari inosvika chiuru chimwe nemazana maviri emadhora (US$1.200 per two tonnes).
Munyori we boka re Gudyanga, Trymore Mashumba anotemba FAO ne UNOPS zvikuru nebasa ravakabata rekuvakiridza nekudzidzisa varimi zvekurima pamwe chete nemamwe Mabasa ekuchengetedza pavanorima.
“Matambudziko ataive nawo pano hataigona kumagadzirisa tiri toga. Mamwe matambudziko aya anosanganisira storm drain. Mafashamu emvura aiuya achitora zvirimwa zvese mumunda medu. FAO ne UNOPS vakauya vakatibatsira kuvaka masvingo (gabions) ekudzivirira mafashamu kuti asaerere achienda mumunda. Magabiyoni aya anovakwa zvine unyanzvi pachisanganiswa matombo akanatsorongwa zvakafara achiturikidzana uye gabiyoni iri rakareba zvekusvika mamita mazana mashanu
Tinotenda zve FAO ne UNOPS vakatibatsira kuchera rimwe borehole redu rakanga radhirikira nekuda kwemafashamu e Cylcone IDAI.
Takabva tabatsirwazve nemishina yekufambisa mvura nekudiridzira. Pataishandisa magetsi taive nedambudziko rekuti aitidhurira zvikuru nekushaikwawo kakawanda (load shedding) saka taitadza kunatsodiridzira zvakakwana. FAO ne UNOPS vakauya vakatiisira magetsi anobva muzuva (solar system) ndiwo ave kufambisa mvura kubva muma borehole kuenda ku irrigation. Saka zuva parinonyanyanya kupisa tinenge tichitowana mvura yakawana kubva muma borehole.
Takadzidziswazve ne FAO anova akatisimudzira zvakare mukurima. Takadzidziswazve nezvekutsvaga musika wekutengesa zvirimwa zvedu, zvinova zvakatibatsira kuti tishandidzane nekambani inonzi Chilli Pepper Company. Tatove ne boka rezve kutsvaga kwekutengesera zvirimwa iro rinoita basa rekutaura nemakambani akawanda, mamwe atiri kutoshandidzana nawo nanhasi.
Izvozvi varimi vave kuwanawo mubhadharo pamwedzi wega wega kana tave kukohwa mhiripiri yedu.
Tine umwe munda wedu zvakare watakanga tave kutadza kurima nekuda kwekuti fenzi yedu yakanga yaparara. Zvakare Cyclone IDAI yakaparadza munoyerera nemvura yatinoshandisa kudiridzira. Zvese izvi FAO yakauya ikatibatsira kugadzirisa iye zvino mvura yedu inonatsoyerera zvakanaka.
Chimwe chatinofara nacho ndechekuti pamabasa ese aya akaitwa ne FAO ne UNOPS, vaishanda nevana vemuno kureva kuti vana vedu vakasiyirwa reuzivo nehuchenjeri hwekuti kwana borehole yedu ikafa vanokwanisa kubatana vogadzira. Vakasara neruzivozve rwekugadzira ma gabiyoni zvichiburikidza nekudzidziswa ne FAO ne UNOPS.
FAO yakatipazve murimisi pa Gudyanga pano avo vakatidzidzisa zvakawanda zvikuru zvinosanganisira kuunza zvimwe zvirimwa zvatakange tisingarimi kuno.
Takabatsirwawo nezvekurimisa (inputs) patakarohwa ne Cyclone IDAI kuti tiwane pekutangira zvinova zvakabatsira varimi zvakawanda.
Sustainability
Tine minda yema solar yatiri kuchengetedza se boka re Gudyanga. Ma solar atakapiwa ne FAO ne UNOPS aripo akakwana. Sevarimi takatenderana kuti tive nempurisa edu anochengetedza midziyo iyeyo zuva rese nehusiku.
Takatenderana kuva nehomwe yatinoisa mari mwedzi wega wega kuitira kuti pakamuka chinoda kugadziriswa tinombozama kubhadhara kubva muhomwe yedu tisati tamhanya kutsvaga rubatsiro kunze. Tinobhadhara mapurisa edu anochengetedza midziyo yedu mwedzi wega wega kubva muhomwe yedu iyoyo.
Panodawo simba redu sevarimi tinoshandawo.
Murimi wemhiripiri
Cilia Gondo, umwe wevarimi anoti kurima mhiripiri kwakashandura upenyu hwake.
“Mhiripiri yakatinakira zvikuru. Tisati taakurima Mhiripiri, takanga tisina chirimwa chatairima chaitipa mari kwedzi mitanhatu yatevedzana. Tairima chibage chataitengesa kamwe chete zvotopera. Madomasi aitipawo dambudziko rekuti aigona kuwandisa mumusika oshaya vanotenga.
Asi mumakore mana andarima mhiripiri mutengo unotokwira uye Hapana panombonzi dzawandisa saka hadzichatengwi. Mwedzi wega mari yangu inouya. Zvino madomasi taigona kutengesera koronyera rozofona raakuti handichadzoki hakuna mari nekuti musika wakazara madomasi.
Hupenyu hwangu hwashanduka zvekuti pandinokohwa ndangofanana nevamwe vanoshanda, ndongotorawo kabhegi kangu ndonanga kwa Mutare kubhengi kunotora mari.
Dzingisai Shamai anoripisa Mhiripiri dzinonzi Red Chilli kubva ku Chilli Pepper Company anoti vanopa varimi mbeu yekudyara vovabatsira kusvika pakukohwa.
Muruzevha mave kuzikanwa kuti mai vaye vaenda kudhorobha nekuda kwekurima mhiripiri kupfuurikidza nerubatsiro kubva ku FAO.