Na Conrad Mwanawashe
Hurumende nemapazi ainoshandidzana nawo (development partners) vanokurudzirwa kuti vawedzere rubatsiro kuvarimi sezvo kurima kuri kubatsira kupedza dzambudziko remhirizhonga mudzimba.
Kurudziro iyi yauya panguva iyo pasi rese riri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu awo anotanga musi wa 25 Mbudzi kusvika musi 10 Zvita akanangana nechirongwa chekupedza dambudziko remhirizhonga mudzimba (16 Days of Activism against Gender-Based Violence).
Gore rine mazuva aya ari kupembererwa ne donzvo rekuti: “UNITE! Invest to prevent violence against women and girls”, iri kurudziro yekubata uye kuunganidza zvikwanisiro zvekumisa dambudziko remhirizhonga mudzimba.
Nekudero varimi vanoti zvirongwa zvekurima zvinofanirwa kuwedzerwa sezvo zvichibatsira kuti mhirizhonga mudzimba dziderere.
Muzvare Margaret Gororo anova Councilor kudunhu re Murehwa Rural District Council anoti kurima kunokonzera kuti vanhurume nevanhukadzi vaswere muminda vozowana pundutso pavanozotengesa mbesa dzavo, mumba mova nemaguta.
Muzvare Gororo aitaura pagungano revarimi vedunhu re Murehwa rakaunganidzwa neve Food and Agricukture Organisation of the United Nations (FAO). Gungano iri raibatanidza varimi vakabatanidzwa mumapoka akasiyana siyana ekuchengeta huku dzenyaya.
“Ndatarisa pamapoka evarimi aya ndikabva ndawona kuti pane vakomana nevasikana vechidiki, madzimai, nana baba, ndikabva ndawona kuti pakashanda kuenzana kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
“Ndatarisazve zvakare panyaya ye mhirizhonga mudzimba ndikawona kuti chirongwa ichi chakanakira kuti vana mai nana baba vakange vapiwa huku idzi dzekunochengeta vanenge vapedza dambudziko rehurombo mumba. Nokudero havacharwi nekuti vave nemari mumba. Panyaya yemari ndipo pane hondo mudzimba. Mari ikangoshaika chete mave kutorwiwa mumba imomo. Mukangoshaikwa munyu, yatove hondo,” akadero muzvare Gororo achiwedzera kuti zvirongwa zvekurima zvinounza pundutso mumba zvobva zvaunza kuwirirana.
“Saka chirongwa ichi chakanaka pakuti chiri kubatsira kuti zvese hurombo nemhirizhonga zvipere. Baba vanenge vachiitawo nerimwe divi maiwo vachiita nekuku tichibatsirana mumba,” Gororo anodero.
“Dambudziko remhirizhonga mumba rakakura muno ma Murehwa. Naizvozvo ndinokumbira ve FAO ne Hurumende vabatsirane kuita zvirongwa zvekurima zvakadai kuitira kuti dambudziko remhirizhonga mudzimba ripere .
“Ndinokumbira kutia madhumeni makuru vaitewo kuti chirongwa ichi chitekeshere ne dunhu rese re Murehwa kuitira kuti nyaya dzekushungurudzana mudzimba dziderere. Baba vanogona kushungurudzwa, amai vanogonawo kushungurudzwa saka chirongwa ichi chikatekeshera zvichaita kuti kushunguradanza kupere sezvo vanhu vanenge vari pabasa. Munhu akagara ari pabasa, ari kufunga kupfuwa huku nekubata nevamwe haazowana nguva nemukana wemhirizhonga,” anotsinhira.
Achitaura pagungano rakakotsverwa ne FANPRAN pamwe chete ne Care International nemawe masangano, muzvare Lizzie Mavhunga anobva kwaMutare anoti chirongwa chekurima chinodaidzwa kuti Resilient Design chakanakira kuti chinosanganisira vanhurume nemavanhukadzi.
Resilient Design chirongwa chine donzvo rekudzidzisa varimi kurima kwakachenjera asi kune pundutso yakawanda kudarika marimiro akajairika ekare.
“Isu tava kugara zvakana mumba nekuti chirongwa ichi chinodzikisira mhirizhonga mudzimba. Munodanana kana chikafu chirimo mumba. Kana mumba musina chikafu munomarana marana mumba asi kana chikafu chakakwana haiwa munotapira mumba imomo,” muzvare Mavhunga anotsanangura.
‘Chirongwa che RD chakatidzidzisa kuita mibhedha yekuti tinokwanisa kudyara zvirimwa zvakawanda panguva imwe chete. Tava kurima zvekutengesa kwete zvekudya chete,” anoenderera mberi.
Tinyorerei pa: